Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 09, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 09, 2019.

Vabereki vakawanda vochema chema nekudzingwa kuri kuitwa vana vavo muzvikoro nepamusana pekutadza kubhadhara mari dziri kudiwa.

Vagari vekuMasvingo votarisana nekudzingwa munzvimbo dzavagere idzo vakatora munguva yehondo yeminda vachinzi vabve muminda iyi musi weChipiri svondo rinouya usati wapera.

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muzvipatara zvehurumende sezvo gakava pakati pavana chiremba nehurumende risati rapera, ukuwo vana chiremba vachiti vari kutyityidzirwa kuti vadzokere kumabasa.

Dambudziko repeturu nedhiziri roramba richikwira munyika, izvo zviri kupa kuti vanhu vatadze kuenda kwavanenge vachida nenguva.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva kuvharwa kwemamwe mapazi ehurumende yeAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG