Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 04, 2019.


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 04, 2019.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti hurumende inofanirwa kushandisa mari inoita zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvebhajeti renyika munyaya dzehutano sezvakatarwa nechibvumirano cheAbuja Declaration.

Hurumende yoita musangano wechimbi chimbi nevarairidzi paine chinangwa chekudzivirira kuramwa mabasa kuri kuda kuitwa nevarairidzi panovhurwa zvikoro svondo rinouya kana hurumende ikasagadzirisa zvichemo zvavo.

Vatyairi vedzimotokari vochema chema nemari dzavari kubvisiswa semafaindi mumigwagwa.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzoita pfungwa dzakasiyana siyana pamari chaiyo inofanirwa kushandiswa nenyika pakati pedhora rekuAmerica nemari yemunyika panguva iyo hurumende iri kutatarika kuwana mari yekunze.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, VaGeoff Nyarota, vanopihwa basa rekuva mukuru wechikamu chedzidzo munyaya dzekutorwa kwenhau pachikoro cheChristian College of Southern Africa, kana kuti CCOSA.

Zvikwata zvenhabvu zvomhanya mhanya zvichitenga vatambi mugadziriro yemwaka wenhabvu usati watanga.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzemari nezvimwe zvakakosha

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG