Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 28, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 28, 2018.

Vana chiremba vakuru kana kuti consultant doctors vanopa hurumende mazuva maviri ekuti igadzirise gakava rainaro navana chiremba vadiki vachiti vacharamwawo mabasa sezvo basa ravawandira zvakanyanya.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions royambirawo hurumende kuti richaratidzira zvine mutsindo mugore ra 2019 kana hurumende ikatadza kugadzirisa zvichemo zvevashandi.

Zvimwe zvikoro zvakazvimirira zvinokwidza mari dzechikoro uye zvichimanikidza vabereki kubhadhara nemari yekunze

Varimi vakawanda vanoti gore ra 2018 ranga rakavaomera zvikuru vachiti dai zvinhu zvavanikira mugore idzva riri kutanga svondo rinouya.

Sangano rakazvimirira reZimbabwe Democracy Institute rinoburitsa ongororo yaro munyaya dzehuori mumapazi ehurumende.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa gakava riripo pakati pavana chiremba nehurumende iro rasiya zvinhu zvisina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG