Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 18, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 18, 2018.

Vakarwa muhondo yerusununguko vanoratidzira pamahofisi emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti vanoda kupihwa mari inoita zviuru zviviri zvemadhora pamunhu pamwedzi wega wega semari yemudyandigere kuitira kuti vakwanise kuriritira munhu dzavo.

Gurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube, vanoti vashandi vehurumende vari kuda kubhadharwa mihoro yavo nemadhora ekuAmerica vari kurota nekuti hurumende haina mari yekunze, uye yainokwanisa kuwana inoshandiswa pazvinhu zvakakoshesesa munyika.

Kanzuru yeHarare inoti haisisina mishonga yekuchenesa mvura nepamusana pekushaya mari inodiwa kutenga mishonga iyi.

Mumwe muuto wemuchadenga anoita basa rekuchaira ndege anomiswa pamberi pedare redzimhosva muGweru achipomerwa mhosva yekuuraya musikana waaidanana naye.

Mari ye bond note yoramba ichipera simba panguva iyo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika.

Muchirongwa che The Connection na 8pm tiri kutarisa dambudziko rapinda muvanhu rekuona nyaya dzepabonde pamadandemutande.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG