Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau. Muvhuro, Zvita 17, 2018


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yenhau. Muvhuro, Zvita 17, 2018

Vanachiremba vakuru vange vachimboshanda pakaramwa vamwe mabasa vokandawo mapadza pasi zvasiya zvinhu zvaita manyama amire nerongo muzvipatara zvehurumende.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstat inoti inflation yemunyika yakwira kusvika pazvikamu makumi matatu nechiga chimwe kubva muzana kana kuti 31.01% kubva pazvikamu makumi maviri nezviga makumi masere nemashanu kubva muzana kana kuti 20, 85%.

Vabereki vakawanda vane vana vakawana nzvimbo dzeFomu yekutanga vanoti vari kushaya mari yechikoro iyo vanoti yakawandisa.

Bato rinopikisa reZapu ropemberera makore makumi mashani nemanomwe raumbwa.

Mutungamiri mutsva weZimbabwe Football Association VaFelton Kamambo vane chishuwiro chekuti nhabvu ibhadhare zvakasimba vatambi nezvikwata zvenyika.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8.pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehutano.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7 pm uye na 6 mangwanani pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG