Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 21, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 21, 2018.

Mapurisa anopinda nechisimba mumahofisi eMedia Center ndokusunga VaPromise Mkwananzi veTajamuka apo vanga vachida kuita musangano nevatori venhau pamusoro pezviri kuitika kuvanhu vanotengesera zvinhu zvavo mumigwa.

Mapurisa oenderera mberi nekudzinga vanhu vanotengesera mumigwagwa.

Pasi rose rinocherechedza zuva rerunyararo, kana kuti International Day of Peace, panguva iyo mapurisa emuZimbabwe ari kuswera achirwisa pamwe nekusunga vanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vosangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muNew York nemusi weSvondo, pamberi pemusangano weUnited Nations General Assembly.

Nyanzvi dzozeya zvinoreva musangano uchaitwa naVaMnangagwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica

Makundano emakwikwi eChibuku Super Trophy otsviriridza

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemapurisa panyaya yevanotengesa mumigwagwa pamwe nekusungwa kwaitwa VaMkwananzi

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG