Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 29, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 29, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti havasati vaudzwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vanoda nhaurirano asi vanoti pane zvirehwa rehwa zvakawanda zvinoda kutanga zvagadziriswa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votarisirwa kudoma nhasi komisheni ichaongorora kupfuurwa kwakaitwa vanhu vatanhatu muHarare nevanofungidzirwa kuti mauto.

Vagari vemuMasvingo voendesa kanzuru yavo kumatare vachiti yave nemakore ichivashaisa mvura.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vaotaura kuHarare Agriculture Show nhasi kuti varimi vanoda rubatsiro rwemari.

Muchirongwa cheDiaspora Forum na 8pm nhasi tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwezviri kunze kwenyika tichitarisa zvavari kutarisira kubva kuhurumende yaVaMnangagwa uye kubvawo kune vanopikisa hurumende.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG