Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri Nyamavhuvhu 7, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri Nyamavhuvhu 7, 2018.

Nhengo dzeMDC Alliance dzanga dziri muhusungwa zvichitevera kusungwa kwadzakaita dzichipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga neChitatu chapfuura, dzinopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti dzitongwe dzichibva kudzimba kwadzo.

Sangano reHuman Rights Watch rinoti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo muZimbabwe zvichitevera kutyorwa kuri kuita kodzero dzevanhu nevanhu vanenge vakapakatira pfuti pamwe nekupfeka mbatya dzemauto.

Mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti vanotambira mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti vachaumba komisheni ichaongorora mhirizhonga yakasiya vanhu vatanhatu vaurayiwa nemauto nemusi weChitatu.

Vatsigiri veZanu PF kuMashonaland West vanoti vari kufara zvikuru kuti vakakunda mudunhu reZvimba, unova musha wevaimbove mutungamiri webato iri, uye wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti izvi zvinoratidza kuti VaMugabe vanyura zvachose munyaya dzematongerwo enyika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kunzwa zviri kufungwa nevechidiki zvichitevera sarudzo dzakaitwa munyika svondo rapera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG