Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 6, 2018.


Nhau DzeShona Studio7

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 6, 2018.

MDC Alliance inozivisa vatori venhau kuti ichiri kuunganidza humbowo hwese hunodiwa kuitira kuti ipikise mudare reElectoral Court, zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission ichiti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo. MDC Alliance inotiwo iri kupikisa zvakare zvakabuda mumamwe matunhu musarudzo dzenhengo dzeparamende

Mushandi weZimbabwe Electoral Commission kuChegutu West, VaGodfrey Masiri, vanosiya basa zvichitevera kusabata basa ravo zvakanaka musarudzo yemumiriri weChegutu West.

Munyika hamuchina kugadzikana zvichitevera kudirwa kunonzi kwakaitwa mauto munzvimbo dzinogara veruzhinji, uye mauto aya anonzi ari kufamba achirova vanhu vasina mhosva dzavapara, zvikuru munguva dzehusiku.

Nyakupomerwa mhosva yekupisa musha wenhengo yeZanu PF kuMutasa Central omiswa zvakare mudare redzimhosva mangwana achikumbira kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso

Studio7 inoita hurukuro nevatori venhau vachizeya maonero avo zvakaitika musarudzo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika muZimbabwe umo mauto nevanhu vakapakatira zvombo vari kupfuvisa veruzhinji munzvimbo dzavanogara..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG