Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 25, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 25, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo riri kupinda musarudzo nemusi weMuvhuro zvisineyi kuti Zimbabwe Electoral Commission iri kuramba yakaomesa musoro pazvinyunyuto zvavo, asi vachiti havasi kuzotambira zvinobuda musarudzo zvisingaratidze zvido zvevanhu.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura zviri pamutemo muzinda wekugadzira chrome kuKwekwe

Zimbabwe Electoral Commission inoti basa rose resarudzo riri mugwara kwaro, uye yakatotanga kuendesa mapepa ekuvhotera kumatunhu, Zec ichibatsirwa nemapurisa kutakura mapepa ekuvhotera, izvo zviri kushorwa nemapato anopikisa.

Mutungamiri weBuild Zimbabwe Alliance, Doctor Noah Manyika, vanoti vari kukwikwidza zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika kunyange hazvo nhandare yezvematonmgerwo enyika yakarerekera kubato reZanu PF.

Mutungamiri mutsva weZimbabwe Women’s Soccer League, Muzvare Babra Chikosi, vanoti vari kuda kuti nhabvu yevanhukadzi itambwe muzvikoro zve primary senzira yekutsvaga tarenda iro rapwa mumutambo uyu

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika mugadziriro dzesarudzo neMuvhuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG