Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 13, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 13, 2018.

Vaimbove gurukota rematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vanowanikwa nedare vasina mhosva yekubuda munyika zvisiri pamutemo panguva yavakatiza munyika munguva yeOperation Restore Legacy – iyo yakapidigura VaRobert Mugabe pachigaro chemutungamiri wenyika.

Dare repamusoro rinotura mutongo wekuti nyaya yekutengwa kwebepa rinogadziriswa gwaro rekuvhotera pamwe ne ink ichashandiswa pakuvhota musarudzo dzemwedzi unouya inzwikwe nechimbichimbi.

Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, votsvagira bato ravo rutsigiro kuHarare South ne Epworth vachiti vanhu vavhote zvisina mhirizhonga sezvavakaita pavakabvisa pachigaro vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, muna Mbudzi gore rapera.

Vakuru vakuru vemuAmerica vakashanya kuZimbabwe nguva pfupi yapfuura vozeya zvavakaona muZimbabwe uye zvinofanirwa kuitwa munyika kuitira kuti muitwe sarudzo dzakachena.

America inobvisa mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora munyaya dzehutano kuitira kuti madzimai akazvitakura asarasikirwe nehupenyu, uye vana vari kuberekwa vange vaine hutano hwakanaka.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, nhasi tiri kutarisa kunyoreswa kuma Nomination Courts mangwana kwemazita evanhu vachapinda musarudzo dzichaitwa musi wa 30 Chikunguru gore rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG