Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 12, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 12, 2018.

Zimbabwe Electoral Commission inoburitsa gwaro revavhoti kana kuti electronic voters’ roll, uye vanhu vanokwanisa kuona kana mazita avo ari mugwaro iri vachishandisa indaneti kana mbozhanhare dzavo

Vanhu vakawanda pamwe nemapato ezvematongerwo enyika votaura pamusoro pegwaro iri pamwe nezuva rekunyoresa mazita kweavo vari kukwikwidza.

MDC Alliance yoita musangano wekuzeya vachakwikwidza vakamirira mubatanidzwa uyu, ukuwo mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanodoma mutauriri wavo mutsva, Doctor Nkululeko Sibanda.

Vamwe vorambirwa kusainirwa magwaro avo kuti vakwikwidze vakamirira Zanu PF musarudzo.

Dare rinorasa chikumbiro chaVaSaviour Kasukuwere chekuti matare arase nyaya yavari kupomerwa yekubuda kunze kwenyika zvisiri pamutemo sezvo hupenyu hwavo hwaive parumananzombe

Zvaitika … mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanoita hurukuro nemutungamiri weNorth Korea, Va Kim Jong Un, izvo zvisati zvaitika.

Muchirongwa cheConnection na8pm, tiri kutarisa kuburitswa kwaitwa electronic voters’ roll.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG