Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 23, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 23, 2018.

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nhasi havana kuuya kudare reparamende uko vange vakokwa nekomiti yedare reparamende inoona nezvezvicherwa kuti vataure nezvenyaya yehuori hunonzi hwakaitika kwaChiyadzwa.

Zimbabwe Human Rights Commission inoparura gwaro remamiriro akaita nyaya dzekodzero dzevanhu ichiti mapurisa ndiwo anonyanya kutyora kodzero dzevanhu munyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita musangano kwaMarange vachivimbisa kuti vanhu vane nzvimbo dzine zviwanikwa vanofanira kuwana chouviri kubva mazviri.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaSimon Khaya Moyo vanoti mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi VaTerrence Mukupe vakakanganisa zvakanyanya apo vakaudza vanhu kuti mauto haasi kuzotenda kuti mutungamiri weMDC-T VaNelson Chamisa vatungamire vakakunda musarudzo.

Zimbabwe Electoral Commission inoti vanhu vari kuendera mberi vachinotarisa mazita avo pagwaro revavhoti idzva reBVR ukuwo Zimbabwe Election Support Network ichiti pane zvimhingamupinyi pano neapo.

Mutambi wenhabvu Knowledge Musona ave kuenda kunotambira chikwata chepamusoro soro kuBelgium cheAnderlecht.

Muchirongwa cheLiveTalk-Diaspora Forum na8pm, tiri kutarisa nyaya yegungano reZim Expo iyo iri kuitirwa kuMassachusetts uko zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichizeya nyaya dzemabhizimisi nebudiriro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG