Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 22, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 22, 2018.

Vaimbova gurukota rezvematunhu avo vange vamboenda muhupoteri VaSaviour Kasukuwere vanodzoka muZimbabwe.

Vashandi vemumabhanga voronga kuratidzira mukati memavhiki maviri vachiti havasi kufara nemari dzavo dzemihoro.

Mumiriri weMhondoro Ngezi mudare reparamende VaMike Gava vanoshaya.

Dare repamusoro soro reSupreme Court rinopa mutongo wekuti nyaya yekuti MDC-T chaiyo ndeipi inoifanira kunzwikwa kudare repamusoro reHigh Court.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzozeya danho reZimbabwe rekuda kudzokera muCommonwealth

Muchirongwa cheLiveTalk-The Youth Connection na8pm, tiri kutarisa nyaya yevamwe vechidiki vari kuti havasati vanyatsoziva kuti vovhotera ani.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na 6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG