Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 13, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemigodhi - iyo yanga ichifanirwa kunzwa nyaya yekutsakatika kwakaitika mari yemangoda - dzinotadza kuuya kuparamende izvo zvapa kuti musangano uyu ukanzurwe. Nhengo mbiri chete kubva panhengo makumi mana ndidzo dzanga dzauya.

Hurumende yoronga kuvandudza makambani ayo kuitira kuti iwane chouviri kubva kumakambani aya.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoratidzira muHarare achikurudzira runyararo musarudzo dzichaitwa munyika.

Veruzhinji vochema chema vachiti havasi kuwana rubatsiro rwakakwana munyaya dzehutano

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa iyo inoti yakadzinga VaObert Gutu naVaAbednico Bhebhe, asi yoti zvakare iri kuvapa nguva yekuti vadzokere mubato, panguva iyo inodzinga Muzvare Thokozani Khupe muparamende.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG