Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 30, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda vanotanga zororo reEaster zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari munyika izvo zviri kutadzisa vakawanda kushanyira hama neshamwari.

Vari kushandisa dzimotokari pazororo rino reEaster voyambirwa kuti vangwarire kusapinda mutsaona idzo dzakatanga nezuro vanhu gumi nemumwe chete vakafa, uye vakawanda vakakuvara.

Vanga vari mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Junior, vanoonekana nevanhu vemuZimbabwe muhurukuro yavari kuita neStudio7 nhasi manheru.

Vakavhiringwa nemhirizhonga yezvematongerwo enyika muna 2008 vanoti havana kana kuripwa kana kuwana rubatsiro zvichitevera kuparadzirwa kwavakaitirwa misha, midziyo pamwe nehupfumi hwavo.

Vhengere Stadium yekwaRusape inobvumidzwa kutambirwa nhabvu yepamusoro soro nePremier Soccer League

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa neveruzhinji pazororo reEaster ratanga nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG