Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 27, 2018


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagari vekwaMarange vochema chema vachiti kodzero dzavo dziri kutyorwa nehurumende pamwe nekambani yehurumende iri kuchera mangoda munzvimbo iyi mudunhu reManicaland.

Mukuru weARDA uyo akambenge aramba kupa komiti yeparamende magwaro ayiri kuda, anopa komiti iyi magwaro aya ose mushure mekuona kuti anogona kusungiswa nekuzvidza komiti iyi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya rwendo rwegurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, avo vakasangana negurukota rinoona nezvekunze kweBritain, VaBoris Johnson.

Nyonga nyonga mubato reZanu Ndonga yosimudza musoro zvichitevera kusawirirana mubato iri panyaya iri kunzi vamwe vari kuda kuti bato iri ridzokere kuZanu PF.

Vechidiki vokurudzirana kuti varambe vachinyoresa kuvhota kuitira kuti vavhote nehuwandu hwavo hwese musarudzo, uye kuti zvavanovhotera zviburitse zvido zvevechidiki ava.

Muchirongwa cheThe Connestion na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekunyoresa kuvhota sezvo vechidika ava vari zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vanyoresa kusvika pari zvino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG