Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi 06, 2018


Nhau dzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinosangana muHarare richikurukura nyaya dzekuronga misangano yaro pamwe nehurongwa hwesarudzo.

Vanotengesa mumigwagwa vanoita musangano muHarare wekuzeya zvakakoshera kunyoresa kuvhota panguva iyo kwasara mazuva maviri chete kuti BVR mop up isvike kumagumo.

Bhodhi rakadomwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti rione mabasa anopinza mari yekunze munyika, rinoudza paramende kuti harina mahofisi ekushandira, uye harizivi kuti riri pasi pebazi ripi rehurumende, izvo zvakatyamadza nhengo dzeparamende.

Nhasi tiri kutarisa zvakadzama mamiriro akaita hupfumi hwenyika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekunyoresa kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG