Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 25, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanopedza hurongwa hwavo hwekuDavos paine mafungiro akasiyana siyana pamusoro pemashoko avakataura nezuro kuSwitzerland kwakare.

Masangano emachechi oshora zviri kuitwa neZanu PF zvekuti vanhu varatidze bato iri ma serial number avanopihwa mushure mekunyoresa kuvhota.

Chirongwa chekunyoresa kuvhota chakawedzerwa chinopinda musvondo rechipiri paine kunyunyuta vanhu vamwe vachiti vari kutyityidzirwa mushure mekunyoresa kuvhota.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zviri kuitika muchirongwa chekunyoresa kuvhota, uye nguva inonzi sarudzo dzichaitwa sekutaura kwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakati sarudzo dzichaitwa Chikunguru asati asvika.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm, tiri kutaura pamusoro pematambudziko akatarisana nevanasikana sezvo mitemo iri munyika isanganyatso kuchengetedza kodzero dzavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG