Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 24, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kumusangano we World Economic Forum kuDavos, Switzerland, vanoti havawirirane nehuwandu hwevanhu vanonzi vakafa munguva yeGukurahundi, vachitiwo hurumende yavo yakapasisa mutemo wakanangana nekugadzirisa nyaya yeGukurahundi.

MDC yoronga munamato uchaitwa neChishanu paHarvest House wekunamatira mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai.

Vari mumabhizinesi madiki vokurudzirwa kuti vawane ruzivo rwakakwana mukufambisa mabhizinesi avo nenzira yakanaka sezvo mabhizinesi aya achibatsira zvikuru mukusimudzira hupenyu hweveruzhinji pamwe nehupfumi hwenyika.

Mutumbi wevaimbove mubati wehomwe muMDC-T, VaRoy Bennett, pamwe newemudzimai wavo Heather, avo vakashaya mutsaona yechikopokopo muAmerica svondo rapera, yotarisirwa kusvika muZambia svondo rinouya uko vange vachiita mabasa ekurima.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutaura nezvekodzero dzekuvhota dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG