Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kumusangano weWorld Economic Forum uko vari kutarisirwa kuchenesa chimiro chenyika.

Reformed Church in Zimbabwe inonyorera tsamba kambani yeGushungo Holdings, inova kambani yemhuri yekwaMugabe, ichiti vabve panzvimbo yavakabvuta iri kuGreystone Park, Borrowdale muHarare gore rapera.

Grain Marketing Board inoti yakarasikirwa nemari inoita mazana maviri emamiriyoni emadhora zvichikonzerwa nemitengo yaidzikwa nehurumende mukutenga nekutengesa chibage.

Muimbi ane mukurumbira, Hugh Masekela, anoshaya.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutaura zviri kuitwa nevechidiki mukugadzirisa remangwana ravo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG