Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 19, 2018


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano akazvimirira pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vanoungana kuMasvingo kumunamato wekunamatira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kurapwa chirwere chegomarara remudumbu.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari muZambia umo vari kutaura nemutungamiri wenyika, VaEdgar Lungu, vachivazivisa zviri kuitika muZimbabwe zvichitevera kubviswa pachigaro kwaVaRobert Mugabe muna Mbudzi gore rapera.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kuona kuti mitemo yesarudzo yavandudzwa kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzisina mutauro.

VaMnangagwa vanoudza bepanhau re Financial Times kuti hurumende yavo ichakoka vaongorori vesarudzo kubva kuUnited Nations, Commonwealth, pamwe neEuropean Union, zvinova musiyano mukuru pane zvaiitwa naVaMugabe.

Vanhu vakawanda vanotambira nekusuwa kukuru kushaya mutsaona yechikopokopo muAmerica, kwaVaRoy “Pachedu” Bennett pamwe nemudzimai wavo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutaura pamusoro pebasa rakaitwa naVaRoy Bennett mukurwira kodzero dzevanhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG