Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 12, 2018


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, voenderera mberi nekuita misangano nevatungamiri venyika dzemu SADC, rwendo rwuno vari kuAngola.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, Engineer Elias Mudzuri, vanoshanyira maindaisitiri nemabhanga muHarare vachiona mamiriro akaita zvinhu

Chirongwa chekunyoresa kuvhota chakawedzerwa chopindwa nevanhu vashoma panguva iyo masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kukurudzira kuti vose vasati vanyoresa, vatore mukana uyu wekunyoresa kuitira kuti vagovhota musarudzo.

Imwe nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inorohwa hwakaipisisa nevatsigiri veZanu PF kuZaka kuMasvingo.

Vatsigiri veZanu PF vanoungana muBulawayo vachionekana nemutumbi waVaMagura Charumbira, avo vakapihwa ruremekedzo rwegamba renyika, zvichitevera kushaya kwavo nemusi weMuvhuro mutsaona yemumigwagwa. VaCharumbira vari kutarisira kuvigwa kumusha kwavo kwaNyika kuMasvingo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa mutemo wekuregererana nekugarisana zvakanaka munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG