Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 08, 2018


Nhau dzeShona Studio7
Nhau dzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vanoudza nhengo dzeparamende kuti dziudze gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti vawedzere bhajeti reparamende pamwe nerebazi rezvehutano sezvo mari dziri kuda kupihwa mapazi maviri aya dziri shoma zvikuru.

Nhengo yeZanu PF yakatungamira mukusveveredzwa kwaAmai Grace Mugabe pane mumwe musangano wakaitwa gore rapera muBulawayo, VaMagura Charumbira, vanoshaya mutsaona yemumugwagwa nhasi mangwanani kuNorton.

Vanhu vokurukura pamusoro pemutemo wekuregererana pamwe nekugarisana zvakanaka pakatariswa shuviro yevanhu vakavhiringwa neGukurahundi pamwe nemhirizhonga yakaitika musarudzo dza 2008.

Varimi vakawanda munyika voshushikana nekusanaya kuri kuita mvura izvo vanoti zvichavhiringa zvirimwa zvavo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa kusungwa kuri kuitwa makurukota aive muhurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, achipomerwa kuita zvehuori.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG