Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 05, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaenda kunoona mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuti vari kunzwa seyi sezvo vachiri murwere.

Hurumende inoti iri kutsvaga sachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission zvichitevera kusiya basa kwakaitwa naAmai Rita Makarau gore rapera.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti hurumende haina kubvira yakambonzwawo sangano iri pfungwa dzaro pahurongwa hwayo hwekuda kutengesa makambani ehurumende, kana kuti parastatals, richiti hurumende inogona kushandisa mukana uyu kuita huori pakutengeswa kwemakambani aya.

Sangano reHeal Zimbabwe rinoti vanhu vakasungwa mushure mekuratidzira muBulawayo svondo rapera kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havana mhosva yavakapara, uye mauto haafanirwe kuonekwa achisunga vanhu nekuti haana mvumo yekuita izvi

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zvinoreva danho ratorwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rekunoona kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kunzwa seyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG