Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 04, 2018


Nhau dzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyakusungirwa kunyomba pa twitter vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye ari chizvarwa cheku America, Martha O’Donovan, anowanikwa asina mhosva nematare edzimhosva.

Vashandi nevashandirwi votambira nemufaro danho re National Social Security Authority rekuti makambani ose emunyika anyorese ne NSAA, uye kuti aendese mari dzaanobatira vashandi kumbani iyi sezvinodiwa nemutemo.

Mapato ari mumubatanidzwa wemapato anopikisa we Coalition for Democrats, anoita musangano muHarare wekuzeya remangwana remubatanidzwa uyu panguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo.

Imwe kambani yoita hurongwa hwekuzivisa veruzhinji zvakaipira huori uye kuti hwungapedzwa seyi munyika.

Nyaya yekunyoresa kuvhota yovhiringwa nekutyisidzirwa kuri kuitwa vamwe vanopikisa Zanu PF zvikuru kumamisha

Muchirongwa cheWomen’s Table na 8pm, tiri kutarisa ruyamuro rwepachena rwuri kupihwa madzimai akazvitakura.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG