Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 29, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Guvheya Chiwenga, vanotora zvakare mhiko yekuva gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika kana kuti defence minister, unova munongedzo mukuru wekuti hurumende yaVaMnangagwa yakabatwa nemauto.

Zimbabwe inopinda mugore idzva kekutanga mumakore makumi matatu nemanomwe iine mutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, zvichitevera kubvutirwa masimba nemauto kwakaitwa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vagari vemuHarare vochema chema nemvura yakasviba yavari kunwa izvo zvaita kuti vaite musangano wechimbi chimbi nameya weguta reHarare, Va Bernard Manyenyeni.

Zvikwata zvotanga kutenga nekutengesa vatambi segadziriro yemwaka mutsva wenhabvu munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zvakasangana nevanhu mugore ra 2017, pamwe neshuviro yavo yegore idzva ra 2018..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG