Accessibility links

Breaking News
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyakubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba, VaConstantino Guvheya Chiwenga, pamwe naVaKembo Mohadi, vanotoreswa mhiko yekuva vatevedzeri vemutungamiri wenyika pahurongwa hwapindwa naVaEmmerson Mnangagwa nemakurukota avo.

Mapato anopikisa anoti haana kushamiswa nekutoreswa mhiko semutevedzeri wemutungamiri wenyika kwaitwa VaChiwenga sezvo kubvisa kwavakaita VaMugabe pachigaro kwaive kwakanangana nekuda masimba ekutonga.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzozeya kudzikwa kwemutemo unobata zvinoitirwa mutungamiri wenyika anenge aenda pamudyandigere, izvo zvaitwa mushure memazuva makumi matatu nemanomwe VaMugabe vasiyiswa basa nemauto achitungamirwa naVaChiwenga.

Bazi revashandi vehurumende roiswa pasi pehofisi yemutungamiri wenyika.

Muchirongwa che Women’s Roundtable na 8pm, tiri kutarisa zvakasangana nevanhukadzi mugore ra 2017..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG