Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 27, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa mangwana kutoresa mhiko vaimbove mukuru wemauto, VaConstantino Guvheya Chiwenga, semutevedzeri wavo muhurumende. Mumwe achatoreswa mhiko yekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, ndiVa Kembo Mohadi.

Mapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance anogovana zvigaro zvichakwikwidzwa mudare reparamende, bato re MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube richinzi ratotanga hurongwa hwekuita sarudzo yekutsvaga vachamirira bato iri munzvimbo dzarakapihwa neMDC Alliance.

Vechidiki veZanu PF votanga hurongwa hwekutsvagira VaEmmerson Mnangagwa rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa gore rinouya, vachishandisa madandemutande ne social media.

Vateereri veStudio7 vanotaura zvavari kuita munguva yezororo rekisimusi negore idzva.

Muchirongwa che LiveTalk na 8pm, tiri kutarisa pamire vanogara kunze kwenyika, kana kuti diaspora pamusoro pezviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG