Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 26, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda vanochema nerekuti vakatadza kutamba zvakanaka zororo ravo rekisimusi nepamusana pekushaya mari, uye kutadza kutora mari dzavo kumabhanga.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti gore ra 2017 ranga riine kutyorwa kwekodzero dzevanhu zvakanyanya, uye anotarisira kuti izvi zvichashanduka gore rinouya.

Vechidiki vekwaGutu vanoti vaneta nenhamo nekudaro vari kunyoresa kuvhota kuitira kuti vagosarudza vatungamiri vavanoziva kuti vachagadzirisa matambudziko ari munyika.

Hurumende yoburitsa hurongwa hwayo panyaya yeminda nekurima.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm, tiri kutarisa zvinoreva zororo rekisimusi kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG