Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 19, 2017


Nhau dzeShona Studio7

Chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaChris Mutsvangwa, vanoti mauto haasi kuzopindira munyaya dzekufambiswa kwesarudzo, kunyange hazvo dare remakurukota rava nevanhu vakabva kuchiuto.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inoburitsa huwandu hwevanhu vakwanisa kunyoresa pasi pechirongwa cheBiometric Voter Registration.

Boka rinoferefeta kuparwa kwemhosva mumaindasitiri, re National Economic Conduct Inspectorate roferefeta muzvinabhizinesi ane mukurumbira munyika, Va Wicknell Chivayo.

Vemapato ezvematongerwo enyika votaura pamusoro pekusarudzwa kwaVa Cyril Ramaphosa semutungamiri mutsva webato re African National Congress.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm, tiri kutarisa zvinoreva mamimiriro akaita zvinhu munyika kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG