Accessibility links

Nzira dzose dzonanga kuRobert Mugabe Grounds muHarare uko kuri kuitirwa kongiresi yeZanu PF yechimbi chimbi mangwana, Chishanu.

Nyaya yechinzvimbo chemudzimai anofanirwa kuitwa mumwe wevatedzeri vemutungamiri weZanu PF, yombunyikidzwa mubato iri sezvo isiri pahurongwa hwakongiresi yemangwana..

Vaimbove gurukota rezvemari, VaIgnatius Chombo, vanomiswa pamberi pedare redzimhosva zvichitevera kusungwa kwavakaitwa zvakare neZimbabwe Anti Corruption Commission.

Hurumende inowedzera vatongi vatsva vasere kuti vatonge nyaya dzemudare repamusoro.

Vanhu vanotadza kutora mari dzavo mumabhanga ekuMasvingo

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm, tiri kutarisa mabatirwo ari kuitwa vanhukadzi muZanu PF takatarisa chinzvimbo chemumwe wevatevedzeri wemutungamiri webato iri, icho chinonzi chinofanirwa kunge chiri chemunhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG