Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 13, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 13, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zanu PF, iyo iri kuita kongiresi yayo yechimbi chimbi nemusi weChishanu bato iri richiti nhengo dze Politburo neCentral Committee dzicharamba dziri nhengo dzematare maviri ava kudzamara matemu awo apera.

Chisungo cheZanu PF women’s league chokuti pavewo nemunhukadzi pahutungamiri hwebato chorohwa nechando sezvo chisiri kuiswa mudariro nemusi weChishanu.

Mutori wenhau, Kenneth Nyangani, anobviswa muhusungwa zvichitevera kusungwa kwavakaitwa achinzi akanga anyora nyaya yekuti Amai Grace Mugabe vakapa vanhu mbatya dzemukati dzakambopfekwa.

Sangano ravana chipangamazano reZimbabwe Democracy Institute rinoburitsa gwaro pamusoro pezviri kuitika munyika uye zvazvinoreva kune remangwana.

Hurumende yekurudzirwa kugadzirisa zvimhingamupinyi zvinosangana nevashanyi kuitira kuti nyika iwanne mari yakawanda kuburikidza nekushanyirwa nevekunze kwenyika

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, apo tinotarisa zviri kuitika mu Diaspora, tiri kutarisa zvakabuda pamusangano wakaitirwa muWashington DC nezuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG