Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 12, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 12, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yokurukurwa muAmerica nekomiti yeseneti inoona nezvekunze kweAmerica. Nyanzvi dziri kutungamira hurukuro idzi ndiVaTendai Biti, mutungamiri we People's Democratic Party; VaDewa Mavhinga, mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica; munyori, Peter Godwin pamwe naAmai Stephanie Sullivan, mutevedzeri wemunyori anoona nezve Africa mubazi rezvekunze kweAmerica.

Kongiresi yechimbi chimbi yeZanu PF yoitwa neChishanu iine zvisungo zvitatu zvinoti kutambira kudzingwa kwakaitwa mubato Amai Grace Mugabe, VaJonathan Moyo, VaSavior Kasukuwere, VaKudzanai Chipanga, VaIgnatius Chombo, Muzvare Mandi Chimene naPhelekezela Mphoko; kutambira VaEmmerson Mnangagwa, uye kutsigirwa kwaVaMnangagwa kuti vamiri Zanu PF musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

Chisungo cheZanu PF women’s league chokuti pavewo nemunhukadzi pahutungamiri hwebato chorohwa nechando sezvo chisiri kuiswa mudariro nemusi weChishanu.

Vagari vekuMasvingo vopengera masoja ayo vanoti ari kutyora kodzero dzevanhu uye vanoda kuti masoja abviswe mumigwagwa.

Masoja anonetsana zvakare nevanotengesa zvinhu mumigwagwa yeHarare, izvo vakawanda vari kupika vachiti vanofira mumigwagwa iyi nokuti ndimo munobva raramo yavo.

Mabhengi obvuma chibatiso chema 99 year leases kuitira kuti varimi vakagariswa patsva vakwanise kukwereta mari kumabhanga.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm, tiri kutarisa chirongwa che Biometric Voter Registration.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG