Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 8, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 8, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapato ari muMDC Alliance anoti bhajeti rakaturwa naVaPatrick Chinamasa, nderekubata vanhu kumeso, uye achakurudzira nhengo dzawo kuti dzisatambire bhajeti iri muparamende.

Masangano anoita nezvesarudzo anoti anofara nemari yakapihwa Zimbabwe Electoral Commission kuti ifambise sarudzo.

Vamwe vechidiki vofarira kudzingwa basa kuri kuitwa vechidiki vakapinzwa basa naVaSavior Kasukuwere sema youth officers.

Vashandi vehurumende votaura pamusoro pebhajeti yakaturwa nezuro, iro rakavimbisa kuvapa mabhonasi avo.

Kanzuru yeHarare yoyambira vagari kuti vasamwe mvura yemumatsime sezvo iine hutachiona kana kuti bacteria.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zvinoreva bhajeti renyika kumunhu wese.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG