Accessibility links

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanotura muparamende bhajeti remabhiriyoni mashanu emadhora vachiti mari iyi ichashandiswa mukusimudzira mabasa ehurumende.

Dare redzimhosva rinopa VaKudzanai Chipanga mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Vaimbove mukuru wevechidiki muZanu PF muHarare, VaJim Kunaka, vanoti mhuri yavo yakarwiswa nezuro manheru nevanhu vashanu vaive vakapakatira pfuti, uye vachitsvaga VaKunaka mbune.

Kanzuru yeHarare yoyambira vagari kuti vasamwe mvura yemumatsime sezvo iine hutachiona kana kuti bacteria.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm, tiri kutarisa zvinoreva bhajeti renyika kuvanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG