Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 09, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 09, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato reZanu PF rinodzinga zvachose VaEmmerson Mnangagwa mubato iri zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa muhurumende nemusi weMuvhuro, VaMugabe vachiti VaMnangagwa vakanga vovazvidza.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zviri kuitika muZanu PF, kusanganisira zviri kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Hurumende inoshandura zita renhandare huru yendege, yeHarare International Airport kuti inzi Robert Gabriel Mugabe International Airport kutanga nhasi zvichienda mberi.

Nhengo dze MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzobatsirana kuMasvingo kuitira kuti munhu wese ane kodzero yekunyoresa kuvhota akwanise kuita izvi pasina zvimhinga mupinyi

Mamwe madzimai otadziswa kunyoresa kuvhota vachinzi vaunze huchapupu hunoratidza kuti vachiri vese nevarume vakavaroora.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, uye kuti vanhukadzi vari kuzvionawo seyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG