Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 02, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Paramende inoudzwa kuti mubhajeti yehutano yegore rinouya, mari zhinji inotarisirwa kubva kumasangano akazvimirira ekunze sezvo hurumende isiri kupa bazi iri mari yakakwana.

Mapato anopikisa muMasvingo anoti acharatidzira zvakasimba kana Ishe Fortune Charumbira vakasakukumbira ruregerero panyaya yavakataura yekuti madzishe anotsigira Zanu-PF kunova kutyora bumbiro remutemo.

Vemapato ezvematongerwo enyika vokurudzira veZimbabwe Electoral Commission kuti vabvise zvinhu zviri kutadzisa vamwe kunyoresa kuvhota zvakaita sehumbowo hwepanogara munhu uye kudzivisa vane mumwe mubereki asina kuberekerwa munyika kana kuti maaliens kunyoresa kuvhota asina kutora mhiko itsva.

Nyanzvi dzozeya mashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekuti mutongo werufu udzoswe zvizere kune vanenge vabatwa nemhosva.

Muchirongwa cheLiveTalk-Women’s Round Table na8pm tiri kutaura nezvekumbunyikidzwa kana kubatwa chibharo kwemadzimai

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG