Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 31, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Vanoita mabasa emaoko nekutengesa mumigwagwa voita musangano muHarare kunyangwe mapurisa ange akapakatira zvombo ange akavakombereredza.

Mabishopu eRoman Catholic osainirana chibvumirano chekunamata nekushanda pamwe nenhengo dzeZimbabwe Councl of Churches dzimwe dzcho dzakabuda muRoman Catholic makore zana nemashanu apfuura.

Mamwe masangano evarairidzi anoti vatsigiri veZanu-PF vave kumanikidza nhengo dzavo kubhadhara mari yemusangano wekongiresi wechimbi chimbi webato iri uchaitwa muHarare muna Zvita.

Vakaremara vanoti sangano reZimbabwe Electoral Commission harisi kuvapa zvikwanisiro zvekuti vakwanise kunyoresa kuvhota sezvo vasingakwanise kuenda kune dzimwe nzvimbo nemawheel chair avo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti dzinotenderana nemashoko eIMF ekuti hupfumi hweZimbabwe huri kuramba huchiderera.

Muchirongwa cheLiveTalk-The Connection na8pm tiri kutarisa mashandisirwo ari kuitwa madendemutande akaita seWhatsApp neFacebook nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG