Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 26, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 26, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda vochema chema nehurongwa hwehurumende hwekutengera madzishe zvikakarara zvemotokari panguva iyo nyika isina mari uye sarudzo dzichitarisirwa kuitwa gore rinouya.

Masangano e Election Resource Center ne ZimRights oronga chirongwa chekuti gurukota reMasvongo, VaPaul Chimedza, vaedzane pfungwa dzavo munyaya dzezvematongerwo enyika nevamwe vagari vemudunhu reMasvingo.

Munyaya yedu huru yanhasi, Studio7 iri kutarisa zvakadzama nyaya yemhirizhonga iyo yakasiya vanhu vakawanda vakuvara kuChitungwiza mukupera kwesvondo.

Vana vechikoro vanoshandisa makombi votadza kuenda kuchikoro nepamusana pekushairwa mari, iyo iri kunetsa kuwana munyika.

Sangano reFamily Aids Care Trust ropemberera kusvitsa kwaro makore makumi matatu richishanda neveruzhinji munyika munyaya dzehutano, chirongwa chinonzi chiri kubatsira zvikuru vanhu vakawanda.

Muchirongwa che Women’s RoundTable na8pm tiri kutarisa dambudziko regomarara repazamu iro riri kunetsa vanhukadzi vakawanda munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG