Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 24, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Mabhanga emunyika ochema chema achiti haachina mari yekupa vanhu kusanganisirawo ma bond notes

Sangano reInternational Trade Union Confederations roshoropodza hurumende zvichitevera danho rayo rekubvisa vanhu mumigwagwa.

Vamwe vagari vemuChinhoyi vopona nezvinhu zvavanononga kunorasirwa marara izvo zvinogona kuisa hutano hwavo munjodzi.

Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzakarohwa kuChitungwiza nemusi weSvondo dzomiswa mumatare edzimhosva dzichipomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga.

Vamwe vevaimbove vashandi vepamugodhi weOld Nic Mine kunze kweguta reBulawayo nhasi vogara panze mushure mekunge vadzingwa mudzimba dzavange vachigara pamugodhi uyu.

Muchirongwa che The Connection na8pm tiri kutarisa chirongwa che Biometric Voter Registration takanangana nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG