Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 19, 2017


Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 19, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanotengesa mumigwagwa kuMasvingo vochema chema zvichitevera kudzingwa kwavari kuitwa mumigwagwa kuMasvingo,, izvo zviri kuitika mumaguta akawanda munyika yose.

Kanzuru yeguta reHarare yoronga kubvisa mitero inoiswa pazvikwereti zvinenge zviine vagari mubhajeti rayo ra 2018.

Mamwe madzishe nemasabhuku ekuMasvingo ochema chema nekupindira kuri kuita vezvematongerwo enyika, zvikuru veZanu PF, muchirongwa chekunyoresa kuvhota.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai roshushikana nezviri kuitwa nenhengo dzeZanu PF idzo dzinonzi dziri kumanikidza vanhu kumaruva kuti vavaratidze ma slip anoratidza kuti vanyoresa kuti vagozovhota musarudzo dzegore rinouya

Makatanwa ari muZanu PF owedzera kusafamba zvakanaka kwezvinhu munyika sezvo vakuru vakuru mubato iri vari kupedzera nguva yehurumende vachirwisana kuti vachengetedze zvinzvimbo zvavo.

Mutungamiri we Renewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, vanosarudzwa kuti vamirire mubatanidzwa wemapato ari mu CODE musarudzo yemutungamiri wenyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa matambudziko ari kusangana nevanhukadzi vanorarama nekutengesa mumigwagwa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG