Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 12, 2017


Nhau DzeShona Studio7

Vanotengesa mumigwagwa vonetsana nemapurisa panguva iyo mapurisa ari kubvisa mumigwagwa nechisimba vanotengesa zvichitevera mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti vanhu ava vabviswe mumigwagwa.

Zimbabwe Electoral Commission inoisa nzvimbo yekunyoresa paparamende kuitira kuti nhengo dzeparamende dzikwanise kunyoresa, kusanganisirawo vane mahofisi ari pedyo neparamende.

Vechidiki vojamuka kuMasvingo zvichitevera kutadza kwavari kuita kutora zvitupa pamahofisi epamudzviti kuMasvingo kwakare kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuvhota

Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko pamadandemutande dzinoti kuumbwa kwebazi idzva rinoona nezvemhosva dzinoparwa paindaneti munongedzo wehurongwa hwehurumende hwekuda kumbunyikidza vanhu kuitira kuti vasatumira mashoko pamadandemutande vakasungunuka.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa maonero evanhu vari kunze kwenyika chirongwa chekunyoresa kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG