Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 04, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 04, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutori wenhau we Daily News, Kenneth Nyangani, anopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso inoita mazana maviri emadhora kuitira kuti atongwe achibva kumba panyaya yaakaburitsa yekuti Amai Grace Mugabe vakagovera vanhu mbatya dzinosanganisira dzemukati dzakambopfekwa.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vanonyora tsamba inonyomba pamwe nekutsiura mumwe wavo, VaEmmerson Mnangagwa, izvo zvasiya vakawanda vakashama muromo.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti manyepo kuti Zimbabwe iri kuda kuti mari yekuSouth Africa, ive iyo inoshandiswa munyika zviri pamutemo.

Musangano wemazuva maviri wezvicherwa, we Zimbabwe Alternative Mining Indaba, unotanga muBulawayo nhasi .

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG