Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 18, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dare reseneti nhasi rapasisa bhajeti regore rinouya zvechimbichimbi izvo zvafadza gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vati izvi zvinoratidza kuti dare iri rinobvumirana nezvose zviri mubhajeti ravakatura muparamende.

Nhendo dzeparamende dzeMDC dzinoti hadzisi kuzomira pamberi pekomiti yakaumbwa kuti iongorore maitiro adzo panyaya yekuti hadzigamuchiri VaEmmerson Mnangagwa semutungamiriri wenyika.

Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, Marry Mubaiwa, voenda kudare repamusoro vachikumbira kupihwa mukana wekubvisiswa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Hurumende yoronga kuvandudza bumbiro remitemo yenyika kuitira kuti anokwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, asamanikidzwe kusarudza mutevedzeri wake wekukwikwidza naye musarudzo yemutungamiri wenyika sezviri kutarisirwa kuitwa muna 2023.

Sangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe rinoti riri kufara kuti mapepanhau pamwe nenhepfenyuro dzakasiyana siyana munyika zviri kutambira basa raro rekugadzirisa zvinyunyuto zvinobva kune veruzhinji pamusoro pemashandiro evatori venhau.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva iyo veruzhinji vari kugadzirisa zororo rekisimusi pamwe negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG