Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevatanhatu kana kuti 5, 366, vamwe zana nemakumi mashanu nemumwe vachibatwa nechirwere ichi.
Zvikoro nhasi zvapinda muzuva repiri zvavhurwa asi vana vechikoro vakawanda vachinzi vadzokere kumba sezvo kusina varairidzi avo vari kuramwa mabasa. Vabereki vari kukurudzira hurumende iyo inonzi yave kutyisidzira varairidzi kuti igadzirise zvinyunyuto zvavo nechimbi chimbi.
Mapurisa onakurira nyoka mhenyu gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaMhona kuti ndivo vakapa kuti motokari dzevanhu dzitorwe kana vasina manumber plates zvinonzi hazvisi pamutemo.
Nhengo dzeMDC Alliance nhanhatu dzakasungwa nemusi weSvondo dzichitsvaga rutsigiro muGweru dzamiswa pamberi pedare nhasi.
Vakaremara vari kuchema chema kuti kunyoreswa kwevavhoti kuri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC kuri kuvatadzisa kunyoresea nekuti nzvimbo dziri kunyoreswa vanhu hadzisvikike zviri nyore uye havanawo ruzivo rwakakwana nenzvimbo dzacho.
Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevemabhizimusi vopa maonero avo akasiyanasiyana pamusoro pehurongwa hwemashandisirwo emari hwakaparurwa nezuro nagavhuna vebhanga guru re nyika reReserve bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya.
Muchirongwa cheThe Connestion na 8pm nhasi tiri kkutaura nevechidiki nezve nyaya yesarudzo dzemaby-elections uye kuvhurwa kwezvikoro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum