Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi, 07, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Zvikoro zvovhurwa nhasi varairidzi vakawanda vasiri kudzidzisa vachinyunyutra nenyaya yemihoro.

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya nhasi vaparura hurongwa hwavo hwemafambisirwo emari kana kuti monetary policy vachiwedzera mari dzinokwanisa kutorwa nevanhu kumabhanga.

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi mukucherechedza zuva revanorarama nepfari avo vari kuchema chema kuti vari kushaya mishonga.

Senegal yosimudza mukombe weAfrica Nations Cup asi ikozvino vatsigiri venhabvu munyika votarisira kudzoka kwemitambo yePremier Soccer League.

Muchirongwa cheLivetalk na 8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yeCovid-19, sarudzo dzemaby-elections uye kuvhurwa kwezvikoro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG