Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Chishanu,Kukadzi 04,2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Bato idzva reCitizens Coalition for Change rokundikana kupedza dambudziko renhengo mbiri dzakanyoresa kukwikwidza muWard 4 kuMasvingo musarudzo dzema by-election sezvo imwe nhengo yoramba kubuda mudariro kuti isiire mumwe.

Vakuru vezvikoro vobatana nevadzidzisi pakuti havakwanisi kuenda
kumabasa panovhurwa zvikoro neMuvhuro svondo rinouya.

Zvakabuda mubvunzo dze Grade 7 dzakanyorwa muna 2021 zvotarisirwa kuziviswa nhasi, bazi redzidzo yepasi richitarisirwa kuzivisa zuva rekuvhurwa kwezvikoro kuvadzidzi vachange vachiita zvidzidzo zve Form1, Panguva iyo zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa musi wa 07 Kukadzi nyika yose.

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva regomarara, kana kuti World Cancer Day.

Bazi rezvehutano rinozivisa kuti vanhu vashanu vakafa nezuro nedenda reCovid-19, vamwe zana nemakumi mashanu nevasere vakawanikwa vaine denda iri nezuro wakare.

Dare repamusoro reHigh Court rinopa mutongo wekuti muchato wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga nemudzimai wavo wavari kurambana naye, Amai marry Mubaiwa wakagurwa muna 2019 apo VaChiwenga vakapa Amai Mubaiwa gupuro remadhora zana ekuAmerica kuburikidza nemunyayi.

Nhasi Studio 7 iri kutarisa nezvedambudziko remvura riri kusangana nevagari vemudhorobha reRedcliffe.

Zimbabwe Baseball Association inopa basa murairidzi wekuJapan kuti abatsire kusimudzira mutambo uyu mune vechidiki nemunzvimbo dzinogara veruzhinji.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG