Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi mashanu kana kuti 5,350. Vanhu zana nemakumi masere nevashanu kana kuti 185 vachibatwawo nechirwere ichi nezuro wakare.
Zvimwe zvikoro zvave kumanikidza vana vechikoro kuti vabayiwe nhomba vasati vadzoka kuchikoro musi wa 7 Kukadzi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Mutungamiri weMDC-T Doctor Thokozani Khupe vadzingwa mudare reparamende nhasi zvichitevera tsamba yanyorwa kumutauriri wedare reparamende nemutungamiri weMDC Alliance VaDouglas Mwonzora.
Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rasvitsa makore makumi maviri nemasere nhasi kubva zvaraumbwa.
Mukuru weSports and Recreation Commission VaGerald Mlotshwa vanoti bhodhi reZIFA rinotungamirirwa nemutungamiri weZIFA wavakamisa basa VaFelton Kamambo harina simba rekumisa vanhu mabasa.
Muchirongwa cheDiaspora Forum chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika na 8pm nhasi tiri nyaya yeCovid-19, mhirizhonga iri kuitwa kune zvimwe zvizvarwa zvenyika zviri kuSouth Africa uye mari dziri kutumirwa nezvizvarwa zveZimbabwe kumusha.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum