Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiru, Kukadzi, 01, 2022


Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vanhu mazana maviri nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi.

Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC nhasi yaparura hurongwa hwekufamba ichinyoresa vanhu kuvhota

Bazi reSADC rinoona nezvemamiriro ekunze royambira Zimbabwe nedzimwe nyika dzemudunhu nezverimwe dutumupengo nemafashamu emvura kana kuti cyclone Batsirai.

MDC-T inotungamurirwa naDoctor Thokozani Khupe yochema Senator Phylis Ndlovu vakashaya nezuro.

Nyanzvi dzehupfumi dzozeya kurudziro yagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, yekuti vanhu vashandise mari yemunyika zvakanyanya, kwete mari yekunze iyo vanoti kudiwa kwayo kwakonzera kukwira kwemitengo wedhora rekuAmerica zvikuru pamisika mitema.

Tichakupai zviri kubva kuCameroon kuri kutambirwa mitambo yeAfcon 2021

Muchirongwa cheveChidiki cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa chirongwa che National Integrated Youth Program chakaparurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kusimudzira vechidiki uye tichatarisawo nyaya yeCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG